Ezekiel 29

Chiprofita pamusoro peIjipiti

1Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti. 3Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti,
iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako.
Iwe unoti, “Nairi ndorwangu;
ndakazvigadzirira pachangu.”
4Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako,
uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako.
Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako,
nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.
5Ndichakusiya mugwenga,
iwe nehove dzose dzomuhova dzako.
Uchawira pasi pabani pachena zvapo,
uye haungaunganidzwi kana kunongwa.
Ndichakupa sechokudya
kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.
6Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.

“ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri.
7Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka, ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.

8“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo. 9Ijipiti ichava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

“ ‘Nokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”
10naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia. 11Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana. 12Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi, ndichavadzingira kunyika zhinji.

13“ ‘Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira. 14Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko. 15Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi. 16Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ”

17Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti, 18“Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro. 19Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake. 20Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

21“Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Copyright information for SnaBDSC